By Dorcas Moyo
Topic: Ziva zvekukumbira
.
Mark 10vs46-52
Pane muchinda wandiitira zvakanaka mubible, ndadzidza. Bartimeo, mwanakomana waTimeo, shoko rinoti waigara panzira achipemha not because waiva bofu chete but waiva rombe. Nenhau yekushaya nekusaona zvakare Bartemio waigara panzira achitsvaga rubatsiro. Unomboziva here kuti kaba uchitsvaga rubatsiro ukataimira group irikufamba nemufundisi or yakapfeka mauniforms ichibva kana kuenda kuchurch zvako zvinogona kufamba. What about group irikufamba naJesu. However, Bartimeo akabva adeedzera kuna Jesu kuporeswa not kubatsirwa nemari. Andipa challenge muchinda uyu. Bartimeo akaziva kuti uyu muchinda wandasangana naye haasi wekukumbira mari because waasangana naye anoshandura the whole situation.
.
Unomboziva here kuti vamwe vaurikuudza nhamo dzako wakatarisira kubatsirwa nepfuma they can actually do more than that, vane imwe zodzo iripavari. Unonzwa munhu achipopota kuti havana kundibatsira kana necent zvaro pandakavaudza nhamo dzangu kuchurch vakangoti ngatinamate tinokunda. Vazhinji nhasi zvemunamato havadi vanoda kupiwa. Bartimeo anoti zvekupiwa ndagara ndichipiwa but uyu auya haasi wekukumbira pfuma anoshandura chimiro changu. Imwe minamato yatinoita kuna Mwari inoderedza zvatinofanira kuwana kwavari. He is God Almighty who can change everything in our lives but tinotsvaga zviri temporary kwavari. Bartimeo akatsvaga kuporeswa knowing fully kuti dai Jesu akangokanda mbijana mundiro vose vaitevera vaitevedzera ayienda kumba ane kamari kari nane. Amen.
Merry Christmas to you all...enjoy your holiday
No comments:
Write comments